Mai Allie chihera

  • Home
  • Mai Allie chihera

Mai Allie chihera motivational and comedy
(16)

Hie dear please hide Tirikukwira Tuesday kudzokera ku zimbabwe so vanwene vangu vanga vachigara pamba pangu taive takati...
20/06/2026

Hie dear please hide
Tirikukwira Tuesday kudzokera ku zimbabwe so vanwene vangu vanga vachigara pamba pangu taive takati vanogarapo vatichengeterewo kuitira zvipfuwo nemidziyo zvisabiwa uye kutarisa vanhu vano maneja ma projects but manje takuenda kunogara pamba pangu hubby ndakamuti avaudze kuti ngavachienda but akati after all these years tongoudza mama kuti vachienda azviite hatingogare navo plus vakura. ini hangu andikwanise kugara navo dear plus nema stories andirikuona kuma social media evana varikunzi vakadzidziswa kuroya nana gogo vavo i can't hangu!! andisi kuti vanoroya but for the sake of my kids andikwanise kugara navo ndovaudzawo seyi zvisingavagumbure coz ivo varikutofara kuti takudzoka hanzi ndoonawo vazukuru vangu ndisati ndafa🤔 chero mai vangu varikuti kugara navo azvitomboite vamwene nemuroora avagarisani please help🙏 hubby arikuti mai vake avana kwavachaenda ndini ndega mukomana ndochengeta mai vangu 😏

Pliz dear hide dear Takashanda nemurume wangu 4 years dzese tichichengeta mari yedu arima $!! apa atisati tavenemwana an...
17/06/2026

Pliz dear hide dear
Takashanda nemurume wangu 4 years dzese tichichengeta mari yedu arima $!! apa atisati tavenemwana anoenda kuchikoro! plus taigara pamba pemurungu so taito saver mari yedu yakanaka chaizvo🙏 so nezvirikuitika izvi muno mu joni takabva tati mari yedu yawanda zvekuti inokwana kutenga stand tovaka ka 2 rooms then totsvaka ka bizness kekuita tinepedu pekugara takati tasvika kumba kwana tezvara murume akabva awudza vabereki vake our plans ndakazoona ndakudedzwa natezvara navamwene🤷 hanzi! tipeyi mari yamunayo tiite ma projects then imi mono renta. muchazotenga stand kana takutanga kuita ma profits🤔 murume wangu akabvuma varivega ndobva ati vataure neni🤔 veduwe zvinoitawo here ko ndikatiza nemari yacho ndonotenga stand ndenga ndinganzi ndatadza here? apa ndagara anditodiwe pamba apa takambotumira imwe mari ye stand vakaidya😭 nemurume atisi kutotaudzaudzana izvezvi hanzi ndikuda kumupesanisa nevabereki vake🤷 ko ndikabva hangu panekuvapa mari yandakashandira ko ma projects acho akasabudirira kee please help ndoitawo seyi 🙏🏼

Dai yangohwinha hayo azvizowedzeri kusimudza mhepo here kuchanzi tisu tavadlisa  🫣🫣🤔🤔😁😁
11/06/2026

Dai yangohwinha hayo azvizowedzeri kusimudza mhepo here kuchanzi tisu tavadlisa 🫣🫣🤔🤔😁😁

Please hide Nhai dear ndivhunzirewo vedare kuti kana murume wako akakutuka kuti! mwana wehure ahuna kurayirwa imbwa dzev...
10/06/2026

Please hide
Nhai dear ndivhunzirewo vedare kuti kana murume wako akakutuka kuti! mwana wehure ahuna kurayirwa imbwa dzevanhu iwe obva wati kana newewo!! unganzi watuka vabereki vake here? Abva atondirova hanzi wanditukira vabereki vangu achibva atofonera sis vake apo vagara vakatondivenga zvangu😭 achibva atofonera na sis vangu akavaudza 😒 ndatadzawo here ?

Vedare ndibatsireyiwo Ndakayenga stand yangu kudomboshava 2017 ndikavaka 4 rooms I'm a single mother of 3 ndinogara muno...
09/06/2026

Vedare ndibatsireyiwo
Ndakayenga stand yangu kudomboshava 2017 ndikavaka 4 rooms I'm a single mother of 3 ndinogara muno mu SA nevana vangu. saka ndakazoti mhamha vaende kunogara ku stand vachengete sezvo kusina munhu so vakabva vaenda ne last born yemumba medu mukomana ipapo ayiva ne19! my mom vakazoshaya my brother akasara achigarapo. ndikatomuudza kuti wakura ukufanira kutsvaka pako pekugara akati no problem ndobva kana makuya. akazoroora achingogara paya avanemwana1 so nezvirikuitika izvi muno ndakamuudza kuti shaa chiita plan I'm coming home kuno akuchaite! akandipindura kuti shaa pano ndepangu 😭 ndopandakasiwa na chembere ndakagadzirisa zvakawanda pamba pano plus panema projects angu andirikutoita takapopotedzana kusvika andiudza kuti kana uchida kuona kuti ukama hunopera ndibvise pano uwone panofa 1 pakati pedu 😭 my mom ndakambovaudza kuti andidi zvinozondinetsa mangwana ngavamusiye kumba vakati achabva kana wakuuya😭 ndingayigadzirisawo seyi nyaya iyi nhai vedare apa iye ndiye anotozikanwa munharaunda ini ndotozikanwa semuyenzi vana vangu vakura veduwe ndakuchida kuti tidzoke kumba ndozvandakavakira but mwana wamai vangu ondidayi apa mwana uya akaregererwa atingambogarisani zvachose plus nemuroora atitowirirani arikutoti imba ndeyavo ndibatsireyiwo veduwe 💔

Hanzvadzi yangu viga chitupa Amaiguru mukadzi wemukoma akaramba kuti ndimugare nhaka pakashayika mukoma!! so semhuri tak...
08/06/2026

Hanzvadzi yangu viga chitupa
Amaiguru mukadzi wemukoma akaramba kuti ndimugare nhaka pakashayika mukoma!! so semhuri takagara pasi tikati kana asingadi kugarwa nhaka better ayende hake kumusha kwavo abve pamba pemukoma wangu🤨 because atisi kuda kuti azodanana nevamwe varume vangazoparadza hupfumi hwehama yedu. plus hatorina kana mwana mukomana anevasikana chete saka achazosara nemba yamukoma wangu nema business ndiyani?maiguru vakaramba vakati vakatanga ma business aya nemurume wavo and imba ndeyavo nevana vavo.ndobva vati i will continue to take care of the entire family! but gugarwa nhaka never🤔 andisi munhu anosvoreka amheno kuti vakandirambireyi mukadzi wangu ayive atobvuma nokuti zvinotenderwa pachivanhu chedu kugara nhaka kuitira kuchengetedza upfumi. panedzimwe nzira here dzechivanhu dzingaitwe kuti abvume? tibatsireyiwo semhuri upfumi hwehama yedu husati hwayenda nevapambi 🙏🙏

Please chitupa mubhini chaimo ndinofa Nhai dear from nowhere murume wangu avakungogeza every Monday mausiku na 10🤔 hacha...
06/06/2026

Please chitupa mubhini chaimo ndinofa

Nhai dear from nowhere murume wangu avakungogeza every Monday mausiku na 10🤔 hachagezi nesipo hazori mafuta hachashandise kana roll on mazino anongokwesha Monday iyoyo panogeza!! dzatokwana 2 months now ndakatanga ndichibvunza hanzi kurikutonhora plus ndoita munyaviri 🤔ndomuti chigeza kana half body hanzi azvitoite🫢 after 11 years of marriage ahasati akamboita munyaviri and munhu uya ayida kugeza zvakanyanya some of the things zvavakuita zvakundityisa ini zvimwe andikwanise kuzvitaura pano ukamuvhunza anongoti ko iwe urikunetswa neyi please mind your own business 🤷 apa akangozvitanga paakabva kumakomba kwanoshanda please help 🙏

Tete makadii Murume wangu hachadyi mumba arikuuya achiti ndadya kwamaiguru mukadzi wemukoma wake🤷bamkuru vakashaya 3 mon...
05/06/2026

Tete makadii

Murume wangu hachadyi mumba arikuuya achiti ndadya kwamaiguru mukadzi wemukoma wake🤷bamkuru vakashaya 3 months ago avakupinda mumba around 11 or 12 usiku bamkuru vanga vanema businesses so my husband he's the one ari in charge so ndikavhunza kuti ko manga muripi hanzi tanga tichamboita paper work yekubasa namaiguru!! vanoenda ma trip vese namaiguru ndikavhunza hanzi wakangowana ndichishanda nemukoma wangu tichingoenda ma trip iwaya saka chachinja chii? avakushanda ma weekend zvaanga asngaite vana vangu avachazive baba vavo💔 chero breakfast hachadyi hanzi gulez varikutakura lunch box yakawanda i don't know my husband anymore since pakashaya bamkuru maiguru vanofona anytime chero takarara anobva atobuda panze💔 please help🙏

Hie auntie please hide Ndikudanana nemurume wa stepsister vangu same father different mothers 😒 and I'm pregnant as we s...
04/06/2026

Hie auntie please hide

Ndikudanana nemurume wa stepsister vangu same father different mothers 😒 and I'm pregnant as we speak but my sister avazvizive🤷 ndinogara navo because my sis she's not feeling well. she's very sick so vakandikumbira kuti ndizovabatsira nevana but i and bamkuru ended up takudanana and my mom she's in support🤭 because varikuti sis vanogona kufa so ndigarire padhuze my mom said🤭 plus bamkuru varikuti sis vakafa better ini ndiuye ndichengete vana than kuti mutorwa awuye plus bamkuru vanemari vanondiitira everything 🙏 chandiunza pano my mom varikuti pane zvavarikuda kundipa kuti my sister vakasire kubuda out of the picture but!! I'm scared i don't know what to do because my sister she's a good person vanemoyo wakanakisa vakandidzidzisa my mom avana chavanoshaya because of her. on the other side i really love bamkuru i want him to be mine alone please don't judge please help 😢

Address


Opening Hours

Monday 09:00 - 17:00
Tuesday 09:00 - 17:00
Wednesday 09:00 - 17:00
Thursday 09:00 - 17:00
Friday 09:00 - 17:00
Saturday 07:00 - 17:00
Sunday 09:00 - 17:00

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Mai Allie chihera posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Business

Send a message to Mai Allie chihera:

  • Want your business to be the top-listed Home Improvement Business?

Share